Isaiah 56

Ruponeso rwaVamwe

1Zvanzi naJehovha:

“Chengetedzai kururamisira
mugoita zvakanaka,
nokuti ruponeso rwangu rwava pedyo,
uye kururama kwangu kuchakurumidza kuratidzwa.
2Akaropafadzwa munhu anoita izvi,
munhu anozvibatisisa,
anochengeta Sabata asingarisvibisi,
uye anodzivisa ruoko rwake kuita chinhu chakaipa.”

3Mutorwa akanamatira kuna Jehovha ngaarege kuti,
“Zvirokwazvo Jehovha achandiparadzanisa navanhu vake.”
Uye nomuyunaki ngaarege kugununʼuna achiti,
“Ndinongova zvangu muti wakaoma.”
4Nokuti zvanzi naJehovha:

“Kuvayunaki vanochengeta maSabata angu,
vanosarudza zvinondifadza,
uye vanobatirira pasungano yangu,
5kwavari ndichapa, mukati metemberi yangu namasvingo ayo,
chirangaridzo nezita riri nani kupfuura vanakomana navanasikana;
ndichavapa zita risingaperi, risingazoparadzwi.
6Uye vatorwa vakazvipira kuna Jehovha
kuti vamushumire,
kuti vade zita raJehovha,
uye vamunamate,
vose vanochengeta Sabata
vasingarisvibisi vachibatisisa sungano yangu,
7ivava ndichavauyisa kugomo rangu dzvene
ndigovapa mufaro muimba yangu yokunyengetera.
Zvipiriso zvavo zvinopiswa
nezvibayiro zvichagamuchirwa paaritari yangu;
nokuti imba yangu ichanzi
imba yokunyengetera yendudzi dzose.”
8Ishe Jehovha anoti,
iye anounganidza vakatapwa vaIsraeri,
“Ndichaunganidzazve vamwe kwavari,
tisingaverengeri avo vakaunganidzwa kare.”

Mwari anopa mhosva kuna Vakaipa

9Uyai, imi mose zvikara zvesango,
uyai mudye, imi mose zvikara zvesango!
10Nharirire dzeIsraeri mapofu,
vose vanoshayiwa zivo;
vose imbwa dzisingahukuri,
hadzigoni kuhukura;
dzinovata pose pose dzichingorota,
dzinofarira kuvata.
11Imbwa dzinokara zvikuru;
dzisingamboguti.
Vafudzi vanoshayiwa kunzwisisa:
vose vanotsaukira kunzira yavo pachavo,
mumwe nomumwe anotsvaka zvinomupfumisa.
12Mumwe nomumwe anodanidzira achiti, “Uyai, regai nditore waini!
Regai tinwe tigute nedoro!
Uye mangwana achafanana nanhasi,
kana kutopfuura.”
Copyright information for SnaBDSC